Philippians 3

Kusavimba neNyama

1Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi.

2Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vanoremadza nyama nokucheka. 3Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama, 4kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro.

Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda:
5ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi; 6kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kuchengetedza murayiro, handina mhosva.

7Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu. 8Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu. 9Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda. 10Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake, 11uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa.

Kushingaira Kusvika kuMagumo

12Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu. 13Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi, 14ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.

15Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri. 16Ngatiraramei bedzi zvinopindirana nezvatakawana.

17Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai. 18Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu. 19Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika. 20Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu, 21uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.

Copyright information for SnaBDSC